1 Chronicles 23

VaRevhi

1Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri.

2Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi. 3VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere. 4Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi. 5Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”

6Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.

VaGerishoni

7VokwaGerishoni vaiva:
Radhani naShimei.
8Vanakomana vaRadhani vaiva:
Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.
9Vanakomana vaShimei vaiva:
Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete.
Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.
10Uye vanakomana vaShimei vaiva:
Jahati, Ziza, Jeushi naBheria.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.
11(Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.)

VaKohati

12Vanakomana vaKohati vaiva:
Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.
13Vanakomana vaAmiramu vaiva:
Aroni naMozisi.
Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene-tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.
14Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.
15Vanakomana vaMozisi vaiva:
Gerishomi naEriezeri.
16Zvizvarwa zvaGerishomi:
Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.
17Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva:
Rehabhia ndiye aiva wokutanga.
(Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rehabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.)
18Vanakomana vaIzhari:
Sheromiti ndiye aiva wokutanga.
19Vanakomana vaHebhuroni:
Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri,
Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.
20Vanakomana vaUzieri:
Mika wokutanga naIshia wechipiri.

VaMerari

21Vanakomana vaMerari, vaiva:
Mari naMushi.
Vanakomana vaMari vaiva:
Ereazari naKishi.
22(Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.)
23Vanakomana vaMushi vaiva:
Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.

24Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha. 25Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi, 26vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.” 27Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri kana anopfuura ipapo.

28Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari. 29Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru. 30Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda uye vachirumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru 31uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarayirwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.

32Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.

Copyright information for SnaBDSC